Job 16

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi;
mose muri vanyaradzi pasina!
3Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here?
Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?
4Neniwo ndaigona kutaura semi,
dai imi manga muri pachinzvimbo changu;
ndaigona kutaura mashoko okukupikisai
uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.
5Asi muromo wangu waizokukurudzirai:
kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.

6“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi;
uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.
7Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba;
maparadza imba yangu yose.
8Makandisunga ini, uye chava chapupu;
kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.
9Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake,
uye anondirumanyira meno ake;
mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.
10Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke;
vanondirova padama pakundimhura kwavo,
uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.
11Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa,
uye akandikanda mumaoko avakashata.
12Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna;
akandibata napahuro akandipwanya-pwanya.
Akandivavarira;
13vapfuri vake vemiseve vakandikomba.
Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi,
uye anodururira nduru yangu pasi.
14Nguva nenguva anondirwisa;
anondidzingirira somurwi.

15“Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu,
uye ndaviga huma yangu muguruva.
16Chiso changu chatsvuka nokuchema,
rima guru rakomberedza meso angu;
17asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba,
uye munyengetero wangu wakachena.

18“Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu;
kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
19Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga;
murevereri wangu ari kumusoro.
20Murevereri wangu ndiye shamwari yangu,
meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
21anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari,
somunhu anokumbirira shamwari yake.

22“Makore mashoma bedzi asara,
ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.
Copyright information for SnaBDSC